Danieri 5:16 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika16 Asi ndakanzwa kuti iwe unokwanisa kududzira zvinhu nokupedza nhamo. Zvino, kana ukagona kuverenga zvakanyorwa izvi ukanditsanangurira zvazvinoreva, uchapfekedzwa hanzu yoruvara rwohute ugoshongedzwa muhuro necheni yendarama uyezve unozova mutongi wechitatu muumambo huno.” See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)16 Asi ndakanzwa ɀako, kuti unogona kuɗudzira, nokusunuŋgura fundo; ɀino kana ukagona kuraʋa ɀakanyorwa, nokundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ucafukidzwa ŋguʋo tȿuku, nokushoŋgedzwa ʋuketani bgendarama pamutsipa wako, ʋuye ucaʋa muɓati wecitatu paʋushe bgaŋgu. See the chapterShona Bible 1949 revised 200216 Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura pfundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani hwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona16 Asi ndakanzwa kuti iwe unokwanisa kududzira zvinhu nokupedza nhamo. Zvino, kana ukagona kuverenga zvakanyorwa izvi ukanditsanangurira zvazvinoreva, uchapfekedzwa hanzu yoruvara rwohute ugoshongedzwa muhuro necheni yendarama uyezve unozova mutongi wechitatu muumambo huno.” See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi16 Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro uye unopedza matambudziko akaoma. Kana ukagona kuverenga runyoro uye ukanditaurira zvarunoreva, uchapfekedzwa nguo yepepuru, uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro muumambo.” See the chapterShona BIBLE16 Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura pfundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani hwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu.” See the chapter |