Danieri 4:9 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 ‘Iwe Bheriteshaza mukuru mukuru wavanhu vamaminimini, hedzino hope dzandakarota nditaurire zvadzinoreva nokuti ndinozviziva kuti mauri iwe mune Mweya waMwari Anoera uye kuti hakuna chakavandika chingakunetse.’ See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Iwe Berteshazari, mukuru waʋakacenjera, ɀandinoziʋa kuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako, ʋuye kuti hakune‐cakaʋanzika cinokutambudza, cindiʋudza ɀandakaʋona pakurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo. See the chapterShona Bible 1949 revised 20029 ‘Iwe Bheteshazari, mukuru wavakachenjera, zvandinoziva kuti une mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako, uye kuti hakuna chakvanzika chinokutambudza, chindiudza zvandakaona pakurota kwangu nokududzirwa kwazvo.’ See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona9 ‘Iwe Bheriteshaza mukuru mukuru wavanhu vamaminimini, hedzino hope dzandakarota nditaurire zvadzinoreva nokuti ndinozviziva kuti mauri iwe mune Mweya waMwari Anoera uye kuti hakuna chakavandika chingakunetse.’ See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Ndakati, “Bheriteshazari, iwe mukuru wenʼanga, ndinoziva kuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri, uye hakuna chakavanzika chinokuomera. Hezvino zvandakarota; chindidudzira. See the chapterShona BIBLE9 ‘Iwe Bheteshazari, mukuru wavakachenjera, zvandinoziva kuti une mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako, uye kuti hakuna chakvanzika chinokutambudza, chindiudza zvandakaona pakurota kwangu nokududzirwa kwazvo.’ See the chapter |