Danieri 4:34 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika34 Kuzoti mazuva iwayo apera, ini Nebhukadhineza ndakatarisa nameso angu kudenga uku ndokubva pfungwa dzangu dzadzokera pamwechete. Ndipo pandakatenda iye Wokumusorosoro ndichirumbidza nokuremekedza iye Anogara narini wose: nokuti hutongi hwake hutongi hwokugara nokugara uye umambo hwake, umambo hunoramba huripo chizvarwa nechizvarwa. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)34 Ɀino mazuʋa iwayo akati apera, ini Nebukadnezari ndikatarira kuɗeŋga nameso aŋgu, simba raŋgu rokufuŋga rikadzokera ɀe kwandiri, ndikaʋoŋga Wokumsoro‐soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye uri mupenyu nokusiŋgaperi; nokuti ʋushe bgake haʋuperi, nokuɓata kwake ʋushe kunoȿikira kumarudzi namarudzi; See the chapterShona Bible 1949 revised 200234 “Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhinezari ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikatenda Wokumusoro‐soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye ari mupenyu nokusingaperi; nokuti ushe hwake hauperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi; See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona34 Kuzoti mazuva iwayo apera, ini Nebhukadhineza ndakatarisa nameso angu kudenga uku ndokubva pfungwa dzangu dzadzokera pamwechete. Ndipo pandakatenda iye Wokumusorosoro ndichirumbidza nokuremekedza iye Anogara narini wose: nokuti hutongi hwake hutongi hwokugara nokugara uye umambo hwake, umambo hunoramba huripo chizvarwa nechizvarwa. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi34 Nguva iyoyo yakati yapera, ini, Nebhukadhinezari, ndakasimudzira meso angu kudenga, uye pfungwa dzangu dzakadzoredzerwa. Ipapo ndakarumbidza Wokumusoro-soro; ndakamuremekedza uye ndikamukudza iye anogara nokusingaperi. Ushe hwake hahuperi; umambo hwake hunogara kubva kuchizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa. See the chapterShona BIBLE34 “Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhineza ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikatenda Wokumusoro–soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye ari mupenyu nokusingaperi; nokuti ushe hwake hauperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi; See the chapter |