Danieri 12:7 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Munhu akanga akapfeka rineni aiva kumusoro kwemvura yomurukova uya akasumudzira ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga. Ndakamunzwa achipika naiye Chidzachapo kuti, “Zvichasaruka zvigosarukazve kaviri nokutozosvika pachikamu chapakati napakati chamakei acho uye kuti pachazoperawo zvokuparadza simba rorudzi runoera, zvinhu zvose izvozvi zvichange zvatoitika.” See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Ndikanzwa murume wakaŋga akapfeka muceka, wakaŋga ari pamsoro pemvura yorwizi, acisimudzira kuɗeŋga ruʋoko rwake rworudyi noruʋoko rwake rworuɓoshwe, acipika naiye unorarama nokusiŋgaperi, kuti ɀicaita ŋguʋa imŋe, nedzimŋe ŋguʋa, nehafu yeŋguʋa; kana ʋapedza kuputsanya simba raʋanhu ʋatȿene, iɀi ɀose ɀicapedziswa. See the chapterShona Bible 1949 revised 20027 Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzerinei, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona7 Munhu akanga akapfeka rineni aiva kumusoro kwemvura yomurukova uya akasumudzira ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga. Ndakamunzwa achipika naiye Chidzachapo kuti, “Zvichasaruka zvigosarukazve kaviri nokutozosvika pachikamu chapakati napakati chamakei acho uye kuti pachazoperawo zvokuparadza simba rorudzi runoera, zvinhu zvose izvozvi zvichange zvatoitika.” See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Murume akanga akapfeka nguo yakaisvonaka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi, akasimudza ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga, ndikamunzwa achipika naiye anorarama nokusingaperi, achiti, “Zvichava kwechinguva nedzimwe nguva nehafu yenguva. Kana simba ravanhu vatsvene rikange raputsanywa, zvinhu zvose izvi zvichapedziswa.” See the chapterShona BIBLE7 Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzerinei, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa. See the chapter |