Danieri 11:24 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika24 Achangozoyerekana asvika munzvimbo dzakapfumisisa kwazvo dzenyika iyoyo agoitamo zvisina ani ati amboita kana madzibaba ake kunyange madzitateguru ake zvawo achimwayanisa mukati mavo zvinhu zvokupamba nezvokutora muhondo nezvimwewo zvinhu. Nhare dzokuhwanda muhondo, achadzirongera mano asi zvichingova zvekachinguva. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)24 Neŋguʋa yokufara kwaʋanhu ucapinda pamatiʋi akaʋorera enyika; ucaita ɀisino‐kumboitwa namadziɓaɓa ake, kunyaŋge namadziɓaɓa amadziɓaɓa ake; ucaparadzira pakati paʋo ɀaakatapa neɀaakapamba nenhumbi; ucatanda mano ake pamsoro penhare, asi neŋguʋa ɓedzi. See the chapterShona Bible 1949 revised 200224 Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyange namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona24 Achangozoyerekana asvika munzvimbo dzakapfumisisa kwazvo dzenyika iyoyo agoitamo zvisina ani ati amboita kana madzibaba ake kunyange madzitateguru ake zvawo achimwayanisa mukati mavo zvinhu zvokupamba nezvokutora muhondo nezvimwewo zvinhu. Nhare dzokuhwanda muhondo, achadzirongera mano asi zvichingova zvekachinguva. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi24 Matunhu akapfuma paanenge adekara, acharwisa uye achakwanisa kuita zvisina kumboitwa namadzibaba ake kana madzitateguru ake. Achagovera zvaakapamba, zvaakatora nebipitira nepfuma, pakati pavanhu vake. Achaita rangano yokuparadza nhare, asi kwechinguva chete. See the chapterShona BIBLE24 Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyangwe namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi. See the chapter |