Mika 2:3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona3 Naizvozvo Tenzi anoti, “Chinzwai ini ndava kurongera mhuri iyoyi zvinhu zvakaipa zvamusingagoni kuzvitakanura pamutsipa. Zvokufamba muchizvikudza zvichakupererai nokuti inenge yava nguva yakaipa. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinofuŋgira rudzi urwu ɀakaipa, hamuŋgagoni kubvisa mitsipa yenyu paɀiri, hamuŋgafambi namanyawi, nokuti iŋguʋa yakaipa. See the chapterShona Bible 1949 revised 20023 Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.’ See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Naizvozvo Tenzi anoti, “Chinzwai ini ndava kurongera mhuri iyoyi zvinhu zvakaipa zvamusingagoni kuzvitakanura pamutsipa. Zvokufamba muchizvikudza zvichakupererai nokuti inenge yava nguva yakaipa. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Naizvozvo Jehovha anoti, “Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava, zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri. Hamuchazofambizve muchizvikudza, nokuti ichava nguva yedambudziko. See the chapter |