Online Bible

- Advertisements -




Eksodo 8:20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

20 Tenzi akati kuna Mosesi, “Mangwana, fumoenda kuna Farao undosangana naye paanenge achienda kurwizi, uti zvanzi naTenzi, ‘Rega vanhu vangu vaende vandondinamata.

See the chapter Copy

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

20 Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Fumira maŋgwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, ucaɓuɗa acienda kumvura; uti kwaari: Ɀanzi naJehova: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate.

See the chapter Copy

Shona Bible 1949 revised 2002

20 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’

See the chapter Copy

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

20 Tenzi akati kuna Mosesi, “Mangwana, fumoenda kuna Farao undosangana naye paanenge achienda kurwizi, uti zvanzi naTenzi, ‘Rega vanhu vangu vaende vandondinamata.

See the chapter Copy

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

20 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro paanenge achienda kumvura ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.

See the chapter Copy




Eksodo 8:20

Follow us:

Advertisements


Advertisements