Eksodo 38:1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona1 Akaveza mapango omuunga akagadzira atari. Kureba kwayo kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo hwaiva mamita mazana maviri ana masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kwakanga kuchiita mita imwechete, ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari akanga akaenzana. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Akaita artari yeɀiɓayiro ɀinopiswa nomuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti mashanu, noʋupamhi bgayo makubiti mashanu; yakaŋga inenhiʋi inna dzakaŋga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiʋa makubiti matatu. See the chapterShona Bible 1949 revised 20021 Akaita atari yezvibayiro zvinopiswa nomuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; yakanga ine nhivi ina dzakanga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiva makubhiti matatu. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Akaveza mapango omuunga akagadzira atari. Kureba kwayo kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo hwaiva mamita mazana maviri ana masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kwakanga kuchiita mita imwechete, ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari akanga akaenzana. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi1 Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuunga, yakakwirira makubhiti matatu; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanu pakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo. See the chapter |