Eksodo 33:12 - Bhaibhiri Idzva rechiShona12 Mosesi akataura kuna Tenzi achiti, “Hongu makandituma kutungamirira vanhu ava, asi hamuna kuzondiudza kuti achandibatsira kuenda navo ndiani, kunyange zvazvo makati munonyatsondiziva nezita uyewo muchifadzwawo neni. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)12 Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Tarirai, makati kwandiri: Kwira naʋanhu aʋa, asi hamuna‐kundiziʋisa kuti mucatuma ani neni, kunyaŋge makati: Ndinokuziʋa nezita rako, wakawana nyasha pamberi paŋgu. See the chapterShona Bible 1949 revised 200212 Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Tarirai, makati kwandiri, ‘Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni,’ kunyange makati, ‘Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.’ See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika12 Mosesi akataura kuna Tenzi achiti, “Hongu makandituma kutungamirira vanhu ava, asi hamuna kuzondiudza kuti achandibatsira kuenda navo ndiani, kunyange zvazvo makati munonyatsondiziva nezita uyewo muchifadzwawo neni. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi12 Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchiti kwandiri, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’ See the chapter |