Eksodo 22:9 - Bhaibhiri Idzva rechiShona9 “Ngatitii vanhu vaitirana nharo pamusoro pechinhu chisiri kuzikanwa kuti ndechaani, ingave mombe kana dhongi kana kuti hwai kana hanzu chero chinhu chipi zvacho chakarasika. Vanhu vanenge vachiitirana nharo ivavo ngavaunzwe kuna Mwari kudare. Anenge anzi ane mhosva naMwari, ngaaripe mumwe wake kakapetwa kaviri. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 pamhaka dzose dzokuɗarika, kana iri yenzombe, kana yemboŋgoro, kana yegwai, kana yecokufuka, kana yecinhu cipi necipi cakarashika, kana ɀikanzi, Ndico! mhaka yaʋose ʋaʋiri inofanira kuʋuya pamberi paMŋari; uyo unopiwa mhoȿa naMŋari unofanira kuripira wokwake kaʋiri. See the chapterShona Bible 1949 revised 20029 pamhaka dzose dzokudarika, kana iri yenzombe, kana yembongoro, kana yegwai, kana yechokufuka, kana yechinhu chipi nechipi chakarasika, kana zvikanzi, “Ndicho!” mhaka yavose vaviri inofanira kuuya pamberi paMwari; uyo anopiwa mhosva naMwari anofanira kuripira wokwake kaviri. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 “Ngatitii vanhu vaitirana nharo pamusoro pechinhu chisiri kuzikanwa kuti ndechaani, ingave mombe kana dhongi kana kuti hwai kana hanzu chero chinhu chipi zvacho chakarasika. Vanhu vanenge vachiitirana nharo ivavo ngavaunzwe kuna Mwari kudare. Anenge anzi ane mhosva naMwari, ngaaripe mumwe wake kakapetwa kaviri. See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Panyaya dzose dzokuchengeta zvisiri pamutemo, nzombe, mbongoro, gwai, nguo kana chimwewo zvacho chakarasika chinonzi nomumwe munhu, ‘Ndechangu ichi’, vaviri ava vanofanira kuuya nenyaya dzavo pamberi pavatongi. Munhu uyo achanzi ane mhosva navatongi anofanira kuripira muvakidzani wake zvakapetwa kaviri. See the chapter |