Eksodo 20:19 - Bhaibhiri Idzva rechiShona19 Vakataurira Mosesi vachiti, “Dai imi murimi mataura kwatiri isu tinokuteererai. Dai Tenzi arega zvake kutaura kwatiri, tingafe.” See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)19 Ʋakati kunaMosesi: Imi citaurai henyu nesu, tinzwe; asi Mŋari ŋgaarege kutaura nesu, tirege kufa. See the chapterShona Bible 1949 revised 200219 Vakati kuna Mosesi, “Imi chitaurai henyu nesu, tinzwe; asi Mwari ngaarege kutaura nesu, tirege kufa.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika19 Vakataurira Mosesi vachiti, “Dai imi murimi mataura kwatiri isu tinokuteererai. Dai Tenzi arega zvake kutaura kwatiri, tingafe.” See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi19 vakati kuna Mozisi, “Taura iwe kwatiri uye tichakuteerera. Asi usarega Mwari achitaura nesu, kuti tirege kufa.” See the chapter |