Eksodo 17:7 - Bhaibhiri Idzva rechiShona7 Nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, Masa neMeribha, pamusana pokupopota kwavaIsiraeri nokuedza kwavakaita Tenzi vachiti, “Ko Tenzi achinesu here kana kuti kwete?” See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Masa neMeriba nokuɗa kwokurwa kwaʋana ʋaIsraeri; ʋuye nokuti ʋakaidza Jehova, ʋaciti: Jehova uri pakati peɗu here, kana kwete? See the chapterShona Bible 1949 revised 20027 Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kwokurwa kwavana vaIsiraeri; uye nokuti vakaedza Jehovha, vachiti, “Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete?” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, Masa neMeribha, pamusana pokupopota kwavaIsiraeri nokuedza kwavakaita Tenzi vachiti, “Ko Tenzi achinesu here kana kuti kwete?” See the chapterBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Uye akatumidza nzvimbo iyi kuti Masa neMeribha nokuti vaIsraeri vakakavadzana naye uye nokuti vakaedza Jehovha vachiti, “Ko, Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?” See the chapter |