Online Bible

- Advertisements -

Danieri 9:27 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

27 Achaita chitenderano chakasimba navazhinji kwesvondo rimwechete. Kwechikamu chepakati napakati pesvondo racho, achaita kuti zvibayiro nemipiro zvimbomira. Panzvimbo pazvo zvinhu zvinosemesa Mwari parutii rweTemberi pachava nechinosemesa Mwari chiya kusvika kumagumo kusvikira chirevo chokuparadza mharadzi iyoyo chatemwa.”

See the chapter Copy

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

27 Ɀino iye ucaita suŋgano yakasimba naʋazhinji viki imŋe; pakati peviki ucagumisa ciɓayiro necipo, ɀino muparadzi ucaȿika neɓapiro reɀinonyaŋgadza; kuȿikira pakuguma kwaɀo kwakagara kwatarwa, kutsamŋa kucaɗururirwa pamsoro peɀakaparadzwa.

See the chapter Copy

Shona Bible 1949 revised 2002

27 Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo, zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa.”

See the chapter Copy

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

27 Achaita chitenderano chakasimba navazhinji kwesvondo rimwechete. Kwechikamu chepakati napakati pesvondo racho, achaita kuti zvibayiro nemipiro zvimbomira. Panzvimbo pazvo zvinhu zvinosemesa Mwari parutii rweTemberi pachava nechinosemesa Mwari chiya kusvika kumagumo kusvikira chirevo chokuparadza mharadzi iyoyo chatemwa.”

See the chapter Copy

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

27 Achasimbisa sungano navazhinji kwevhiki imwe. Pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipiriso. Uye pano rumwe rutivi rwetemberi achaisa chinyangadzo chinokonzera kuparadzwa, kusvikira kuguma kwakatemwa kwadururirwa pamusoro pake.”

See the chapter Copy

Shona BIBLE

27 Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo, zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa.”

See the chapter Copy

Danieri 9:27

Follow us:

Advertisements

Advertisements