ƲaEfeso 2:3 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 ʋataifamba tose pakati paʋo kare, mukuciʋa kwenyama yeɗu, ticiita kuɗa kwenyama nokwokufuŋga kweɗu, napakuɀarwa kweɗu isu naʋamŋe ʋose taiʋa ʋana ʋokutsamŋirwa. See the chapterShona Bible 1949 revised 20023 vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, nopakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Isuwo tose takambogarawo mukati mazvo tichitevera havi dzomuviri wedu, tichitevera zvinoda muviri nepfungwa dzedu. Naizvozvo takanga takazvarirwa shamhu sezvakanga zvangoitawo vanhu vose. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona3 Isuwo tose takambogarawo mukati mazvo tichitevera havi dzomuviri wedu, tichitevera zvinoda muviri nepfungwa dzedu. Naizvozvo takanga takazvarirwa shamhu sezvakanga zvangoitawo vanhu vose. See the chapter |