Genesi 37:2 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi2 Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho. Josefa jaya ramakore gumi namanomwe, akanga achifudza makwai pamwe chete namadzikoma ake, vanakomana vaBhiriha navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake, uye akauya namashoko akaipa kuna baba vavo pamusoro pavo. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)2 Marudzi aJakobo ndiwo: Josefa wakaŋga anamakore anegumi namanomŋe, akafudza makwai pamŋe cete naʋakoma ʋake; wakaŋga aciri mukomana pamŋe cete naʋanakomana ʋaBirha, naʋanakomana ʋaZirpa, ʋakadzi ʋaɓaɓa ʋake; Josefa akasiʋaʋudzisira kunaɓaɓa ʋaʋo. See the chapterShona Bible 1949 revised 20022 Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namanomwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri mukomana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika2 Heinoi nhoroondo yemhuri yaJakobho. Josefi paakanga ava jaya rine makore gumi namanomwe aienda navakoma vake kundofudza zvipfuwo. Vakoma vake ava vaiva vana vaBhiriha naZiripa vakadzi vababa vake. Josefi aigarovachera kuna Isiraeri baba vake. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona2 Heinoi nhoroondo yemhuri yaJakobho. Josefi paakanga ava jaya rine makore gumi namanomwe aienda navakoma vake kundofudza zvipfuwo. Vakoma vake ava vaiva vana vaBhiriha naZiripa vakadzi vababa vake. Josefi aigarovachera kuna Isiraeri baba vake. See the chapter |