Eksodo 3:22 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi22 Mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira muvakidzani wake nomukadzi upi zvake waagere naye mumba make, zvishongo zvesirivha nezvegoridhe uye nguo dzamuchapfekedza vanakomana venyu nevanasikana venyu. Uye saizvozvo muchapamba vaIjipita.” See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)22 Asi mukadzi mumŋe nomumŋe unofanira kukumbira kunowaanogara naye, nokumutorwa unogara mumba make, ʋukomba bgesirveri nobgendarama, neŋguʋo, kuti mufukidze ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu; munofanira kutorera ʋaEgipita nhumbi dzaʋo. See the chapterShona Bible 1949 revised 200222 Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaIjipiti nhumbi dzavo.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika22 Ipapo mudzimai mumwe nomumwe ngaakumbire zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu apiwe nomudzimai wechiIjipiti waanogarisana naye mumba kana pamana, apfekedze vana vake vose zvinhu izvozvo. Ndiko kupamba kwamuchaita upfumi hwevaIjipiti.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona22 Ipapo mudzimai mumwe nomumwe ngaakumbire zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu apiwe nomudzimai wechiIjipiti waanogarisana naye mumba kana pamana, apfekedze vana vake vose zvinhu izvozvo. Ndiko kupamba kwamuchaita upfumi hwevaIjipiti.” See the chapter |