Eksodo 16:8 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.” See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Mosesi akati: Mucaʋona iɀoɀo kana Jehova acikupai nyama maɗekwana, mukaidya, namaŋgwana kana acikupai ɀiŋgwa, mukaguta; nokuti Jehova wakanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehova. See the chapterShona Bible 1949 revised 20028 Mosesi akati, “Muchaona izvozvo kana Jehovha achikupai nyama madekwana, mukaidya, namangwana kana achikupai zvingwa, mukaguta; nokuti Jehovha akanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu vanaaniko zvamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehovha.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Mosesi ndokuti, “Manheru Tenzi achakupai nyama yokudya, mangwanani achikupai chingwa chamunodya muchiguta. Tenzi akakunzwai pamakamunyunyutira. Izvo zviye kana muchipopota, munenge musingapopoteri isu. Ko isu tiri vanaaniwo zvedu? Wamunenge muchipopotera chaiye ndiTenzi.” See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona8 Mosesi ndokuti, “Manheru Tenzi achakupai nyama yokudya, mangwanani achikupai chingwa chamunodya muchiguta. Tenzi akakunzwai pamakamunyunyutira. Izvo zviye kana muchipopota, munenge musingapopoteri isu. Ko isu tiri vanaaniwo zvedu? Wamunenge muchipopotera chaiye ndiTenzi.” See the chapter |