Eksodo 10:5 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 Dzichafukidza nyika yose zvokuti pasi hapangaonekwi. Dzichadya zvishoma zvawakanga wasiyirwa shure kwechimvuramabwe, pamwe chete nemiti yose iri kumera muminda yako. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 dzicafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuʋona pasi; dzicadya ɀakasara ɀakapukunyuka, ɀamakasiyirwa necimvuramabge, dzicadya miti yose inokumererai muminda; See the chapterShona Bible 1949 revised 20025 dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiyirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda; See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Mhashu dzacho dzichazara zvokufukidza nyika yose zvokuti pasi hapazoonekwa. Dzichadya zvakasara muminda zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe, dzichidyawo miti yenyu yose yomuminda. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona5 Mhashu dzacho dzichazara zvokufukidza nyika yose zvokuti pasi hapazoonekwa. Dzichadya zvakasara muminda zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe, dzichidyawo miti yenyu yose yomuminda. See the chapter |