Online Bible

- Advertisements -

Danieri 9:16 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

16 Haiwa Ishe, dzorai kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu kubva paJerusarema, guta renyu nechikomo chenyu chitsvene, nokuda kwamabasa enyu ose akarurama. Zvivi zvedu nezvakaipa zvamadzibaba edu zvakaita kuti Jerusarema nevanhu zvive chinhu chinosekwa neavo vose vakatipoteredza.

See the chapter Copy

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

16 Haiwa Ishe, nokuɗa kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyeŋgeterai kuti kutsamŋa kwenyu nehasha dzenyu ɀidzorwe paguta renyu reJerusarema, iro gomo renyu dɀene; nemhaka yeɀiʋi ɀeɗu, ʋuye nemhaka yeɀakaipa ɀamadziɓaɓa eɗu, Jerusarema naʋanhu ʋenyu ʋakaitwa cinhu cinoshoʋorwa pakati paʋose ʋanotipoteredza.

See the chapter Copy

Shona Bible 1949 revised 2002

16 Aiwa Ishe, nokuda kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyengeterai kuti kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvidzorwe paguta renyu reJerusaremu, iro gomo renyu dzvene; nemhaka yezvivi zvedu, uye nemhaka yezvakaipa zvamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakaitwa chinhu chinoshoorwa pakati pavose vanotipoteredza.

See the chapter Copy

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

16 Tenzi, hasha dzenyu ngadziserere, kushatirirwa guta renyu reJerusaremu chikomo chenyu chinoera kupore maererano namaitiro enyu akarurama nokuti pamusana pezvitadzo zvedu nouipi hwamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakava chiseko chenyika chavanhu vari munharaunda yatiri.

See the chapter Copy

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Shona BIBLE

16 Aiwa Ishe, nokuda kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyengeterai kuti kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvidzorwe paguta renyu reJerusaremu, iro gomo renyu dzvene; nemhaka yezvivi zvedu, uye nemhaka yezvakaipa zvamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakaitwa chinhu chinoshoorwa pakati pavose vanotipoteredza.

See the chapter Copy

Danieri 9:16

Follow us:

Advertisements

Advertisements