Danieri 7:8 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 “Ndichiri kufunga pamusoro penyanga, hapo pamberi pangu pakanga pava norumwe runyanga, ruduku rwakabuda pakati padzo; uye dzimwe nyanga nhatu dzokutanga dzakadzurwa pamberi parwo. Runyanga urwu rwakanga runa meso akafanana nameso omunhu uye nomuromo waitaura zvokuzvikudza. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Ndikacerekedza nyaŋga, ndikaʋona rumŋe runyaŋga ruciɓuɗa pakati pedzimŋe, ruri ruɗuku, dzimŋe nyaŋga nhatu panedzokutaŋga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaʋona kuti parunyaŋga urwo pakaŋga panameso omunhu, nomuromo wakaŋga ucitaura ɀinhu ɀikuru. See the chapterShona Bible 1949 revised 20028 Ndikacherechedza nyanga, ndikaona rumwe runyanga ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaona kuti parunyanga urwo pakanga pana meso omunhu, nomuromo wakanga uchitaura zvinhu zvikuru. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Ndichicherechedza kudaro panyanga idzodzo pakatukudza imwe nyanga duku ikatipura nemidzi dzimwe nyanga nhatu panyanga dzokutanga dziya. Nyanga iyoyo yaiva namaziso anenge omunhu nomuromo waitaura mazwi asingatauriki. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona8 Ndichicherechedza kudaro panyanga idzodzo pakatukudza imwe nyanga duku ikatipura nemidzi dzimwe nyanga nhatu panyanga dzokutanga dziya. Nyanga iyoyo yaiva namaziso anenge omunhu nomuromo waitaura mazwi asingatauriki. See the chapterShona BIBLE8 Ndikacherechedza nyanga, ndikaona rumwe runyanga ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaona kuti parunyanga urwo pakanga pana meso omunhu, nomuromo wakanga uchitaura zvinhu zvikuru. See the chapter |