Danieri 5:3 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakanwira mairi. See the chapterBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ipapo ʋakaʋuya nemidziyo yendarama yakaŋga yabviswa patembere yeimba yaMŋari yaiʋa paJerusarema; iye mambo namadzishe ake naʋakadzi ʋake naʋaroŋgo ʋake ʋakanwa nayo. See the chapterShona Bible 1949 revised 20023 Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakanwa nayo. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Saizvozvo vakaunza midziyo yendarama neyesirivha yakanga yapambwa yacho muTemberi, mumba yaMwari kuJerusaremu. Mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake, vakanwira zvavo mairi. See the chapterBhaibhiri Idzva rechiShona3 Saizvozvo vakaunza midziyo yendarama neyesirivha yakanga yapambwa yacho muTemberi, mumba yaMwari kuJerusaremu. Mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake, vakanwira zvavo mairi. See the chapterShona BIBLE3 Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakanwa nayo. See the chapter |