Zekaria 5:4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)4 Ndicaɓuɗisa kutuka ikoko — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — kupinde mumba mounoɓa nomumba mounopika nhema nezita raŋgu; kucagara pakati peimba yake, kuciipedza iyo pamŋe cete namatanda ayo namabge ayo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20024 Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika4 Ndini charwutumidzira, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo rugopinda mumba membavha nomumba memunhu anopika zvenhema nezita rangu rwuchagara mumba make rwuiroromese mapango zvose namatombo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona4 Ndini charwutumidzira, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo rugopinda mumba membavha nomumba memunhu anopika zvenhema nezita rangu rwuchagara mumba make rwuiroromese mapango zvose namatombo.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichabudisa kutuka, uye kuchapinda muimba yembavha nomumba mouyo anopika nhema nezita rangu. Kucharamba kuri mumba make uye kuchaparadza zvose mapango namabwe ayo.’ ” Viz kapitola |