Zekaria 14:10 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)10 Nyika yose icaita seɓani, ɀicibva Geba kuȿikira paRimoni, kurutiʋi rwezasi rweJerusarema; iro ricakwiridzwa, ricagara panɀimbo yaro, kubva pasuʋo raBenjamini kuȿikira kunɀimbo yesuʋo rokutaŋga, kuȿikira kusuʋo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kuȿikira kuɀiȿiniro ɀewaini ɀamambo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200210 Nyika yose ichaita sebani, zvichibva Gebha kusvikira paRimoni, kurutivi rwezasi rweJerusaremu; iro richakwiridzwa, richagara panzvimbo yaro, kubva pasuo raBhenjamini kusvikira kunzvimbo yesuo rokutanga, kusvikira kusuo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kusvikira kuzvishiro zvewaini zvamamabo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika10 Nyika yose ichapindutswa kuva bani kubvira kuGebha kusvika kuRimoni kumaodzanyemba eJerusaremu. Asi guta reJerusaremu richaramba rakangoti kangarara, richibvira kusuo guru rokwaBhenjamini kusvika kusuo guru rakare riya, zvichinosvikawo kusuo guru repakona; zvichibvawo panharire yokwaHananeri kusvika kuguvi ramambo rewaini. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona10 Nyika yose ichapindutswa kuva bani kubvira kuGebha kusvika kuRimoni kumaodzanyemba eJerusaremu. Asi guta reJerusaremu richaramba rakangoti kangarara, richibvira kusuo guru rokwaBhenjamini kusvika kusuo guru rakare riya, zvichinosvikawo kusuo guru repakona; zvichibvawo panharire yokwaHananeri kusvika kuguvi ramambo rewaini. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi10 Nyika yose kubva kuGebha kusvikira kuRimoni, nechezasi kweJerusarema, ichava seArabha. Asi Jerusarema richasimudzirwa rigogara panzvimbo paro, kubva kuSuo raBhenjamini kusvikira kuSuo Rokutanga, kusvikirawo kuSuo Repakona, uye kubva kuShongwe yaHananeri kusvikira kuzvisviniro zvewaini zvamambo. Viz kapitola |