Ʋatoŋgi 9:38 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)38 Ipapo Zeburi akati kwaari: Ɀino muromo wako uripi, ɀawakaŋga uciti: Abimereki ndianiko, kuti timushumire? Ko aʋa haʋazi ʋanhu aʋo ʋawakaɀidza here? Ɀino ciɓuruka hako undorwa naʋo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200238 Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Zvino muromo wako uripi, zvawakanga uchiti, ‘Abhimereki ndianiko, kuti timushumire? Ko ava havazi vanhu avo vawakazvidza here? Zvino chiburuka hako undorwa navo.’ ” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika38 Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Zvino wava kupi? Hausiwe here wokumbotaura muromo wokuti, ‘Abhimereki chii zvake, zvatinozvirega tichitongwa nomunhu uyu? Havasivo here vanhu vawaishora ivava? Chiendaka zvino uvarwise.’ ” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona38 Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Zvino wava kupi? Hausiwe here wokumbotaura muromo wokuti, ‘Abhimereki chii zvake, zvatinozvirega tichitongwa nomunhu uyu? Havasivo here vanhu vawaishora ivava? Chiendaka zvino uvarwise.’ ” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi38 Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Kutaura kwako kukuru kuripiko zvino, iyewe waiti, ‘Abhimereki ndianiko kuti isu tive varanda kwaari?’ Handiti ava ndivo vanhu vawaizvidza here? Chibuda undorwa navo!” Viz kapitola |