Ʋatoŋgi 9:2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)2 Taurai henyu, ʋarume ʋose ʋeShekemi ʋanzwe, muti: Cinhu cakanaka ndecipiko, kuti muɓatwe ʋushe naʋanakomana ʋose ʋaJerubaari ʋanoȿika ʋanhu ʋanamakumi manomŋe, kana muɓatwe nomunhu mumŋe here? Raŋgarirai ʋo kuti ini ndiri fupa renyu nenyama yenyu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20022 “Taurirai henyu, varume vose veShekemu vanzwe, muti, ‘Chinhu chakanaka ndechipiko, kuti mubatwe ushe navanakomana vose vaJerubhaari vanosvika vanhu vana makumi manomwe, kana mubatwe nomunhu mumwe chete?’ Rangariraiwo kuti ini ndiri pfupa renyu nenyama yenyu.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika2 “Mubvunzo uyu usvitsei munzeve dzavanhu vose vomuShikemu wokuti, ‘Chiiko chamunosarudza pane izvi? Mungade here kuti makumi manomwe avanakomana vaJerubhaari ndivo vova vatongi venyu kana kuti munhu mumwechete chete ave mutongi wenyu? Zivaiwo kuti imi neni tiri hama nehama, tiri veropa rimwechete chairo.’ ” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona2 “Mubvunzo uyu usvitsei munzeve dzavanhu vose vomuShikemu wokuti, ‘Chiiko chamunosarudza pane izvi? Mungade here kuti makumi manomwe avanakomana vaJerubhaari ndivo vova vatongi venyu kana kuti munhu mumwechete chete ave mutongi wenyu? Zivaiwo kuti imi neni tiri hama nehama, tiri veropa rimwechete chairo.’ ” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi2 “Bvunzai vose vanogara muShekemu kuti, ‘Zviri nani kwamuri ndezvipi: Kuti mutongwe navanakomana vose vaJerubhi-Bhaari vari makumi manomwe kana kungotongwa nomunhu mumwe chete?’ Murangarire kuti ini ndiri nyama neropa renyu.” Viz kapitola |