ƲaHeberu 9:14 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)14 ɀikuru sei ropa raKristu, iye wakaɀiita noMŋeya usiŋgaperi ciɓayiro kunaMŋari, cisina‐caciŋgapomerwa, ricanatsa hana dzeɗu pamaɓasa akafa, kuti tishumire Mŋari mupenyu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200214 zvikuru sei ropa raKristu iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kuna Mwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika14 ko kutozoti ropa raKristu asina chinoshoreka akazvipira nokuna Mweya nyakugara aripo, rinochenesa zvakadii hana dzenyu kubva kumabasa akafa kuti mushandire Mwari mupenyu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona14 ko kutozoti ropa raKristu asina chinoshoreka akazvipira nokuna Mweya nyakugara aripo, rinochenesa zvakadii hana dzenyu kubva kumabasa akafa kuti mushandire Mwari mupenyu. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi14 Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa ose anotungamirira kurufu, kuitira kuti tigoshumira Mwari Mupenyu! Viz kapitola |