Ruka 5:19 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)19 Ɀino, ʋakati ʋacishaiwa paʋaŋgamupinza napo, nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakakwira pamsoro peimba, ʋakamuɓurusira mukati nenhoʋo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200219 Zvino, vakati vachishayiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhoo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika19 Pavakatadza kupinda naye pamusana pokuwanda kwavanhu vakakwira pamusoro pemba, vakabvisa mafendefa edenga remba, ndokumudzikisa ari pauvato pamberi paJesu mukati mavanhu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona19 Pavakatadza kupinda naye pamusana pokuwanda kwavanhu vakakwira pamusoro pemba, vakabvisa mafendefa edenga remba, ndokumudzikisa ari pauvato pamberi paJesu mukati mavanhu. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi19 Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfiriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo. Viz kapitola |