Nehemia 9:28 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)28 Asi ʋakati ʋazorodzwa, ʋakaita ɀakaipa ɀe pamberi penyu; saka makaʋaregera ɀe mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo, iʋo ʋakaʋaɓata nesimba; kunyaŋge ɀakaɗaro pakudzoka kwaʋo, nokucema kwaʋo kwamuri, makaʋanzwa kuɗeŋga, mukaʋarwira kazhinji netsitsi dzenyu; Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200228 Asi vakati vazorodzwa, vakaita zvakaipazve pamberi penyu; saka makavaregerazve mumaoko avavengi vavo, ivo vakavabata nesimba; kunyange zvakadaro pakudzoka kwavo, nokuchema kwavo kwamuri, makavanzwa kudenga, mukavarwira kazhinji netsitsi dzenyu; Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika28 Asi vaiti vakange vava murugare vodzokerazve mukukutadzirai. Imi ndopamaivaisa mumaoko avavengi vavo kuti vagovatonga. Asi pavainge vazopinduka vochema kwamuri mainzwa kudenga ikoko. Netsiye dzenyu nyoro maivanunura kakawanda kwazvo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona28 Asi vaiti vakange vava murugare vodzokerazve mukukutadzirai. Imi ndopamaivaisa mumaoko avavengi vavo kuti vagovatonga. Asi pavainge vazopinduka vochema kwamuri mainzwa kudenga ikoko. Netsiye dzenyu nyoro maivanunura kakawanda kwazvo. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi28 “Asi pavakangowana zororo, vakaitazve zvakaipa pamberi penyu. Ipapo makavasiya mumaoko avavengi vavo kuti vavatonge. Zvino vakati vachemazve kwamuri, makavanzwa muri kudenga, nengoni dzenyu mukavarwira nguva nenguva. Viz kapitola |