Nahumi 2:13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)13 Tarirai, ndinemhaka nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicapisa ŋgoro dzaro dziite ʋutsi, munondo ucapedza shumba dzenyu ɗuku; ndicabvisa ɀawakapamba panyika, inzwi renhume dzako hariŋgatoŋgonzwiki ɀe. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200213 “Tarirai, ndine mhaka nemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichapisa ngoro dzaro dziite utsi, munondo uchapedza shumba dzenyu duku; ndichabvisa zvawakapamba panyika, izwi renhume dzako haringatongonzwikizve. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika13 Chinzwa, Tenzi wehondo nehondo ari kuti ndanangana newe zvino. “Ngoro dzako dzehondo ndichadzipwitititsa kupisa. Shumba dzako dzichiri kuzvinzwa dzicharozvwa nebakatwa. Ndichaparadza panyika nyama yako iyoyo uye mazwi enhumwa dzako haachazonzwikazve.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona13 Chinzwa, Tenzi wehondo nehondo ari kuti ndanangana newe zvino. “Ngoro dzako dzehondo ndichadzipwitititsa kupisa. Shumba dzako dzichiri kuzvinzwa dzicharozvwa nebakatwa. Ndichaparadza panyika nyama yako iyoyo uye mazwi enhumwa dzako haachazonzwikazve.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi13 “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndichapisa ngoro dzenyu dzive utsi, uye munondo uchaparadza shumba dzenyu duku. Ndichakusiyai musina nyama panyika. Mazwi enhume dzako haangazonzwikazve.” Viz kapitola |