Mupiro 7:34 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)34 Nokuti cityu cinozuŋguzirwa neɓandauko rinosimudzwa, ndiɀo ɀandakatora kuʋana ʋaIsraeri pakati peɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀaʋo ɀokuyananisa, ndikaɀipa Aroni muprista, naʋanakomana ʋake, ciʋe caʋo nokusiŋgaperi, cinobva kuʋana ʋaIsraeri. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200234 Nokuti chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, ndizvo zvandakatora kuvana vaIsiraeri pakati pezvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, ndikazvipa Aroni mupristi, navanakomana vake, chive chavo nokusingaperi, chinobva kuvana vaIsiraeri. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika34 Ndinodaro nokuti pamipiro yavaIsiraeri yokuwadzana ndatora chityu kwaari chinenge chasimudzirwa mudenga kupa kuna Mwari, nechidya chomupiro unovheyeswa uchipirwa kwaari ndikapa mupristi Aroni navanakomana vemhuri yekwake, semugove wavo wavanofanira kugara vachipiwa navaIsiraeri.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona34 Ndinodaro nokuti pamipiro yavaIsiraeri yokuwadzana ndatora chityu kwaari chinenge chasimudzirwa mudenga kupa kuna Mwari, nechidya chomupiro unovheyeswa uchipirwa kwaari ndikapa mupristi Aroni navanakomana vemhuri yekwake, semugove wavo wavanofanira kugara vachipiwa navaIsiraeri.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi34 Kubva kuzvipiriso zvokuwadzana zvavana veIsraeri ndatora chityu chinoninirwa nebandauko rinouyiswa ndikazvipa kuna Aroni muprista navanakomana vake somugove wavo wavanofanira kugara vachiwana kubva kuvaIsraeri.’ ” Viz kapitola |