Mupiro 7:21 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)21 Kana aninani akaɓata cinhu cisakanaka, kana ɀiri ɀisakanaka ɀomunhu kana ɀemhuka isakanaka, kana cimŋe cinhu cisakanaka cinonyaŋgadza, akadya nyama yeciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa ɀiri ɀaJehova, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200221 Kana ani naani akabata chinhu chisakanaka, kana zviri zvisakanaka zvomunhu kana zvemhuka isakanaka, kana chimwe chinhu chisakanaka chinonyangadza, akadya nyama yechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa zviri zvaJehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika21 Munhu anobata chinhu chakan'ora chingave chinhu chinon'oresa chiri pamunhu, kana chiri pamhuka yakan'ora kana chii zvacho chinon'oresa, chakaipa kwazvo, ozodya nyama yechibayiro chaTenzi chemipiro yokuwadzana, munhu iyeyo atozvichekanisa ukama novokwake.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona21 Munhu anobata chinhu chakan'ora chingave chinhu chinon'oresa chiri pamunhu, kana chiri pamhuka yakan'ora kana chii zvacho chinon'oresa, chakaipa kwazvo, ozodya nyama yechibayiro chaTenzi chemipiro yokuwadzana, munhu iyeyo atozvichekanisa ukama novokwake.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi21 Kana munhu akabata chinhu chisina kuchena, kunyange kusachena kwavanhu, kana mhuka isina kuchena, kana chose chisina kuchena, chinhu chinonyangadza, uye akazodya nyama ipi yechipiriso chokuwadzana chaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ” Viz kapitola |