Online Bible

- Reklamy -




Mupiro 15:25 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

25 Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuʋa mazhinji paŋguʋa isati iri yokuʋa kwake kumŋedzi, ʋuye kana aneɀinoyerera kuɗarika ŋguʋa yokuʋa kwake kumŋedzi, mazuʋa ose okuyerera kwokusanaka kwake unofanira kuita seɀaanoita pamazuʋa okuʋa kwake kumŋedzi. Waʋa usina‐kunaka.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

25 “Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuva mazhinji panguva isati iri yokuva kwake kumwedzi, uye kana ane zvinoyerera kudarika nguva yokuva kwake kumwedzi, mazuva ose okuyerera kwokusanaka kwake anofanira kuita sezvaanoita pamazuva okuva kwake kumwedzi. Wava usina kunaka.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

25 “Kana akaramba achibuda ropa kwamazuva mazhinji isiri nguva yake yokutevera kana kuramba achibuda ropa nguva yake yokutevera yapfuura, achava munhu akan'ora nguva yose yaanenge achibuda ropa. Akangon'ora sezvaanoita ari panguva yake yokutevera.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

25 “Kana akaramba achibuda ropa kwamazuva mazhinji isiri nguva yake yokutevera kana kuramba achibuda ropa nguva yake yokutevera yapfuura, achava munhu akan'ora nguva yose yaanenge achibuda ropa. Akangon'ora sezvaanoita ari panguva yake yokutevera.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

25 “ ‘Kana mukadzi ano kuerera kweropa kwamazuva akawanda panguva isiri yokuva kwake kumwedzi, kana kuti akava nokuerera kunoenderera kupfuura nguva yake yokuva kumwedzi kwake, achava asina kuchena kwenguva yaanobuda ropa sapamazuva ake okuva kumwedzi.

Viz kapitola kopírovat




Mupiro 15:25

Následuj nás:

Reklamy


Reklamy