Mupiro 13:6 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 ɀino muprista unofanira kumucerekedza nezuʋa recinomŋe; kana akaʋona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina‐kunyeŋga paganda, ɀino muprista ucareʋa kuti munhu wakanaka hake; pakaŋga pakafunuka hapo; ipapo unofanira kusuka ŋguʋo dzake agoʋa wakanaka. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20026 zvino mupristi anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupristi uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguo dzake agova wakanaka. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Pazuva rechinomwe mupristi ngaamuongorore zvakare. Kana paiva nechirwere pacho pasviba-sviba, chirwere chisina kupararira neganda, mupristi ngaachimuti wachenurwa, kwanga kuri kuzvimbawo zvako. Munhu iyeyo ngaasuke hanzu dzake ave munhu akachenurwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona6 Pazuva rechinomwe mupristi ngaamuongorore zvakare. Kana paiva nechirwere pacho pasviba-sviba, chirwere chisina kupararira neganda, mupristi ngaachimuti wachenurwa, kwanga kuri kuzvimbawo zvako. Munhu iyeyo ngaasuke hanzu dzake ave munhu akachenurwa. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora zvakare, uye kana chironda chaserera uye chisina kupararira neganda, muprista achamuzivisa somunhu akachena, tunongova tumapundu. Munhu anofanira kusuka nguo dzake uye achava akachena. Viz kapitola |