Mika 5:6 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 Iʋo ʋacaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimrodi painopindwa napo; iye ucatirwira kumuAsiria, kana aciŋge acipinda nyika yeɗu nokutsika mukati memiganho yeɗu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20026 Ivo vachaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimurodhi painopindwa napo; iye achatirwira kumuAsiria, kana achinge achipinda nyika yedu nokutsika mukati memiganho yedu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Ivava ndivo vachatozotonga nyika yeAsiria nehondo yamapakatwa, vachatonga nyika iyoyi yeNimurodhi vakaiburitsira bakatwa. Ivava ndivo vachatinunura kuAsiria patinenge tapindirwa munyika medu neAsiria paya ichitsokodzera munyika medu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona6 Ivava ndivo vachatozotonga nyika yeAsiria nehondo yamapakatwa, vachatonga nyika iyoyi yeNimurodhi vakaiburitsira bakatwa. Ivava ndivo vachatinunura kuAsiria patinenge tapindirwa munyika medu neAsiria paya ichitsokodzera munyika medu. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo, nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa. Achatirwira kubva kumuAsiria paachapinda munyika yedu nokupinda pamiganhu yedu. Viz kapitola |