Mateo 18:8 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Kana ruʋoko rwako kana rutsoka rucikugumbusa, urugure, ururashire kure newe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, kana ucikamhina, pakukandirwa mumŋoto usiŋgagumi, unamaʋoko maʋiri kana tsoka mbiri. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20028 “Kana ruoko rwako kana rutsoka ruchikugumbusa, urugure, ururasire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, kana uchikamhina, pakukandwa mumoto usingagumi, unamaoko maviri kana tsoka mbiri. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 “Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako ruchikukonzera kutadza rudimbure urwurase. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uri mhetamakumbo pano kukandwa mumoto usingadzimuki narini uina maoko maviri kana kuti tsoka mbiri. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona8 “Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako ruchikukonzera kutadza rudimbure urwurase. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uri mhetamakumbo pano kukandwa mumoto usingadzimuki narini uina maoko maviri kana kuti tsoka mbiri. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. Viz kapitola |