Mariko 2:18 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)18 Ʋadzidzi ʋaJohane naʋaFarise ʋakaŋga ʋaciɀinyima ɀokudya; ʋakaʋuya ʋakati kwaari: Ʋadzidzi ʋaJohane naʋadzidzi ʋaʋaFarise ʋanoɀinyimireiko ɀokudya, asi ʋadzidzi ʋenyu haʋaɀinyimi neiko? Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200218 Vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachizvinyima zvokudya; vakauya vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vanozvinyimireiko zvokudya, asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika18 Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisei vakanga vachitsanya. Vanhu ndokuuya kwaari ndokuti, “Seiko vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisei vachitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona18 Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisei vakanga vachitsanya. Vanhu ndokuuya kwaari ndokuti, “Seiko vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisei vachitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi18 Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachitsanya. Vamwe vanhu vakauya vakabvunza Jesu vakati, “Sei vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya, asi venyu vasingatsanyi?” Viz kapitola |