Mariko 12:41 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)41 Ɀino wakaŋga agere akatarisana neciʋigiro cemari, akatarira ʋanhu ʋazhinji ʋaciisa mari muciʋigiro; ʋafumi ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciisa ɀizhinji. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200241 Zvino akanga agere akatarisana neimba yaichengeterwa upfumi hwetemberi akatarira vanhu vazhinji vachikanda mari muzibhokisi, vapfumi vazhinji vakanga vachikanda zvizhinji. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika41 Kuzoti Jesu agara pasi akatarisana nenzvimbo yaichengeterwa upfumi hweTemberi. Akaongorora uzhinji hwavanhu hwaikanda mari maichengeterwa upfumi hweTemberi. Vapfumi vazhinji vakakanda mari zhinji. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona41 Kuzoti Jesu agara pasi akatarisana nenzvimbo yaichengeterwa upfumi hweTemberi. Akaongorora uzhinji hwavanhu hwaikanda mari maichengeterwa upfumi hweTemberi. Vapfumi vazhinji vakakanda mari zhinji. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi41 Jesu akagara pasi akatarisana nenzvimbo yaiiswa zvipo uye akatarisisa vanhu vazhinji vachiisa mari yavo muchivigiro chemari mutemberi. Vapfumi vazhinji vaikandamo mari zhinji. Viz kapitola |