Mabasa 22:30 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)30 Ɀino fume maŋgwana, aciɗa kuziʋa kwaɀo kuti ʋaJuda ʋakamupomera mhoȿa yei, akamusunuŋgura, akaraira kuti ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋaʋuŋgane, akaɓurusa Pauro, ndokumuisa pamberi paʋo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200230 Zvino fumwe mangwana, achida kuziva kwazvo kuti vaJudha vakamupomera mhosva yei, akamusunungura, akarayira kuti vapristi vakuru namakurukota ose vaungane, akaburusa Pauro, ndokumuisa pamberi pavo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika30 Mangwana acho mukuru mukuru wamasoja zvaaida kuziva chikonzero chaicho vaJudha chavaimupira mhosva akamusunungura akati, vapristi namakurukota ose edare aungane ndokuenda naPauro ondomuisa pamberi pavo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona30 Mangwana acho mukuru mukuru wamasoja zvaaida kuziva chikonzero chaicho vaJudha chavaimupira mhosva akamusunungura akati, vapristi namakurukota ose edare aungane ndokuenda naPauro ondomuisa pamberi pavo. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi30 Zuva rakatevera, sezvo mukuru wavarwi aida kuziva chaizvoizvo kuti sei Pauro akanga achipomerwa mhosva navaJudha, akamusunungura akarayira kuti vaprista vakuru neDare Guru ravaJudha vaungane. Ipapo akatora Pauro akamumisa pamberi pavo. Viz kapitola |