Mabasa 17:29 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)29 Ɀatiri rudzi rwaMŋari, hatifaniri kuti ʋuMŋari bgakafanana nendarama, kana sirveri, kana ibge, ɀakaʋezwa noʋumhizha kana kucenjera kwomunhu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200229 “Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kuti uMwari hwakafanana nendarama, kana sirivha, kana ibwe, zvakavezwa noumhizha kana nokuchenjera kwomunhu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika29 Zvatiri vana vake hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana nendarama kana sirivha kana ibwe zvinongova chifananidzo chakaitwa noumhizha kana zvinongofungwawo navanhu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona29 Zvatiri vana vake hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana nendarama kana sirivha kana ibwe zvinongova chifananidzo chakaitwa noumhizha kana zvinongofungwawo navanhu. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi29 “Naizvozvo sezvo tiri chibereko chaMwari, hatifaniri kufunga kuti umwari hwakaita segoridhe kana sirivha kana ibwe, chifananidzo chakavezwa noumhizha hwomunhu. Viz kapitola |