Judasi 1:3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ʋaɗikanwa, ndakati ndicishiŋgaira ɀikuru kukunyorerai pamsoro pokuponeswa kweɗu tose, ndakaʋona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndicikurairai kuti murwire kwaɀo kutenda kwakaɗeya kupiwa ʋatȿene kamŋe. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 Vadikanwi, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Vadikanwi pandaiva neshungu dzokukunyorerai nezvoruponeso rwedu tose, ndakaona chiri chinhu chinofanira kuitwa chokuti ndikunyorerei ndichikukumbirai kuti murwirewo chitendero chakapiwa chakamwe kuvatsvene. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona3 Vadikanwi pandaiva neshungu dzokukunyorerai nezvoruponeso rwedu tose, ndakaona chiri chinhu chinofanira kuitwa chokuti ndikunyorerei ndichikukumbirai kuti murwirewo chitendero chakapiwa chakamwe kuvatsvene. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. Viz kapitola |