Joshua 7:13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)13 Simuka, utsaure ʋanhu, uti: Ɀitsaurirei maŋgwana, nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kunecinhu cakayeriswa pakati penyu, Israeri; hamuŋgakundi ʋaʋeŋgi ʋenyu, kuȿikira mabvisa cinhu cakayeriswa pakati penyu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200213 Simuka, utsaure vanhu, uti, ‘Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.’ Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika13 Simuka, uchenure vanhu uti, zvichenurei mugadzirire mangwana nokuti Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ati, ‘Mukati menyu mune zvinhu zvakuturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe. Saka imi vaIsiraeri, hamungakwanise kumirisana navavengi venyu kusvikira mabvisa zvinhu izvozvo pakati penyu zvakaturirwa kwandiri kuti zviparadzwe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona13 Simuka, uchenure vanhu uti, zvichenurei mugadzirire mangwana nokuti Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ati, ‘Mukati menyu mune zvinhu zvakuturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe. Saka imi vaIsiraeri, hamungakwanise kumirisana navavengi venyu kusvikira mabvisa zvinhu izvozvo pakati penyu zvakaturirwa kwandiri kuti zviparadzwe. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi13 “Enda unonatsa vanhu. Uvataurire kuti, ‘Zvinatsei muchigadzirira zuva ramangwana; nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Chinhu chakatukwa chiri pakati penyu, imi vaIsraeri. Hamungagoni kumisidzana navavengi venyu kusvikira machibvisa. Viz kapitola |