Online Bible

- Reklamy -

Joshua 5:1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Ɀino madzimambo ose aʋaAmori, akaŋga agere mhiri kwaJoridani kumaʋirazuʋa, namadzimambo ose aʋaKanani, akaŋga agere paguŋgwa, akati acinzwa kuti Jehova wakapxisa mvura yaJoridani pamberi paʋana ʋaIsraeri, kuȿikira tayambuka, mŋoyo yaʋo ikavunduka, ʋakasazoʋa nomŋeya mukati maʋo, nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

1 “Zvino madzimambo ose avaAmori, akanga agere mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, namadzimambo ose avaKenani, akanga agere pagungwa, akati achinzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi pavana vaIsiraeri, kusvikira tayambuka, mwoyo yavo ikavhunduka, vakasazova nomweya mukati mavo, nokuda kwavana vaIsiraeri.”

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

1 Madzimambo ose avaAmori akanga ari kumhiri kwaJorodhani nechokumadokero, namadzimambo ose avaKanani aigara munyasi megungwa, pavakanzwa kuti Tenzi akaomesera vaIsiraeri mvura yaJorodhani kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakati papata nokutya, vakapererwa nesimba pamusana pavaIsiraeri.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

1 Zvino madzimambo ose avaAmoni aigara kumavirazuva eJorodhani namadzimambo ose avaKenani vaigara pedyo negungwa vakanzwa kuti Jehovha akanga aomesa Jorodhani pamberi pavaIsraeri kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakarukutika vakasazova nokushinga nokuda kwavaIsraeri.

Viz kapitola kopírovat

Joshua 5:1

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy