Joshua 20:9 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Ndiwo maguta akatsaurirwa ʋana ʋaIsraeri ʋose, naʋatorwa ʋaigara pakati paʋo, kuti aninani unoʋuraya munhu nokusaziʋa atizire’ko, arege kufa noruʋoko rwomutsiʋi weropa, kuȿikira amira pamberi peʋuŋgano. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20029 Ndiwo maguta akatsaurirwa vana vaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 Maguta iwaya ndiwo akasarudzirwa vaIsiraeri vose pamwechete navatorwa vavagere navo okuti munhu anouraya mumwe mukusaziva awane kwokupotera arege kuurayiwa nouya ane basa rokutsividza ropa romuchakabvu kusvikira mhosva yake yapinda mudare yatongwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona9 Maguta iwaya ndiwo akasarudzirwa vaIsiraeri vose pamwechete navatorwa vavagere navo okuti munhu anouraya mumwe mukusaziva awane kwokupotera arege kuurayiwa nouya ane basa rokutsividza ropa romuchakabvu kusvikira mhosva yake yapinda mudare yatongwa. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 MuIsraeri upi zvake kana mutorwa aigona kutizira hake kumaguta akatsaurwa uye aisazourayiwa nomutsivi weropa asati ambomiswa pamberi peungano. Viz kapitola |