Johane 4:42 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)42 Ʋakati kumukadzi: Haticatendi nokureʋa kwako; taɀinzwira timene, tinoziʋa kuti uyu ndiye Muponesi wenyika ɀirokwaɀo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200242 Vakati kumukadzi, “Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uye ndiye Muponesi wapasi pose.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika42 Vakati kumudzimai uya, “Zvino hatitendi pamusana pamazwi ako nokuti isu tazvinzwira toga. Tavakuziva kuti zvechokwadi uyu ndiye Muponesi wapasi pose.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona42 Vakati kumudzimai uya, “Zvino hatitendi pamusana pamazwi ako nokuti isu tazvinzwira toga. Tavakuziva kuti zvechokwadi uyu ndiye Muponesi wapasi pose.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi42 Vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.” Viz kapitola |