Online Bible

- Reklamy -




Johane 15:20 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

20 Raŋgarirai shoko randakareʋa kwamuri, ndiciti: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana ʋakanditambudza ini, ʋacakutambudzai nemi ʋo; kana ʋakaceŋgeta shoko raŋgu, ʋacaceŋgeta nerenyu ʋo.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

20 Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti, ‘Muranda haasi mukuru kuna ishe wake.’ Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengeta nerenyuwo.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

20 Rangarirai izwi randakutaurirai rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake. Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo. Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

20 Rangarirai izwi randakutaurirai rokuti muranda haasiri mukuru pana tenzi wake. Kana vakandionesa nhamo, vachakuonesaiwo nhamo. Kana vakachengeta izwi rangu vachachengetawo renyu.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

20 Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaiwo imi. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateererawo kudzidzisa kwenyu.

Viz kapitola kopírovat




Johane 15:20

Následuj nás:

Reklamy


Reklamy