Isaya 14:9 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Sheori pasi rinenyoŋgano pamsoro pako kuzosoŋgana newe pakuʋuya kwako; rinokumutsira ʋakafa, iʋo ʋose ʋaiʋa ʋakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi aʋanhu paɀigaro ɀawo ɀoʋushe. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20029 “Sheori pasi rine nyongano pamusoro pako kuzosangana newe pakuuya kwako; rinokumutsira vakafa, ivo vose vaiva vakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi avanhu pazvigaro zvavo zvoushe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 “Nzvimbo yavakafa, yavachakabvu yatozhandanuka kuzochingurana newe, paunosvikako inomutsa vachakabvu kuti vakukwazise vaiva vatungamiriri panyika. Inovasimudza pazvigaro zvavo zvoumambo vose vaimbova madzimambo endudzi dzavanhu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona9 “Nzvimbo yavakafa, yavachakabvu yatozhandanuka kuzochingurana newe, paunosvikako inomutsa vachakabvu kuti vakukwazise vaiva vatungamiriri panyika. Inovasimudza pazvigaro zvavo zvoumambo vose vaimbova madzimambo endudzi dzavanhu. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Pasi, iro sheori razungunuka kuti rinangane newe pakuuya kwako; riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai, vose vakaenda vari vatungamiri munyika; rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe, vose vakanga vari madzimambo endudzi. Viz kapitola |