Ezekieri 48:18 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)18 Ɀakasara pakureɓa kwayo, iɀo ɀakaenzana necipo citȿene, ɀinofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi kurutiʋi rwamabvazuʋa, neɀuru ɀinegumi kurutiʋi rwamaʋirazuʋa; ɀicaenzana necipo citȿene; ɀiɓereko ɀayo ɀinofanira kuʋa ɀokudya ɀaʋanoɓata muguta. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200218 Zvakasara pakureba kwayo, izvo zvakaenzana nechipo chitsvene, zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi kurutivi rwamabvazuva, nezviuru zvine gumi kurutivi rwamavirazuva; zvichaenzana nechipo chitsvene; michero yayo inofanira kuva zvokudya zvavanobata muguta. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika18 Panenge pasara uchitevedza kwakareba kwacho kwedunhu pachange pachiita makiromita mashanu kumabvazuva uye makiromita mashanu kumavirira. Inenge ichitevedza dunhu rinoera, michero yayo ichava kudya kwavashandi vomuguta iroro. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona18 Panenge pasara uchitevedza kwakareba kwacho kwedunhu pachange pachiita makiromita mashanu kumabvazuva uye makiromita mashanu kumavirira. Inenge ichitevedza dunhu rinoera, michero yayo ichava kudya kwavashandi vomuguta iroro. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi18 Nzvimbo inosara, inoganhurana nenzvimbo yomugove mutsvene ichitevedza kureba kwayo, ichava namakubhiti zviuru gumi kurutivi rwokumabvazuva, namakubhiti zviuru gumi kurutivi rwokumavirira. Zvibereko zvayo zvichapiwa kuti zvive zvokudya zvavashandi vomuguta. Viz kapitola |