Ezekieri 46:9 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Asi kana ʋanhu ʋenyika ʋaciʋuya pamberi paJehova pamitambo yakatarwa, unopinda nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro kuzonamata, unofanira kuɓuɗa nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwezasi; unopinda napanzira yesuʋo rokurutiʋi rwezasi, unofanira kuɓuɗa nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakaʋuya nayo, asi unofanira kufamba akatarira mberi. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20029 “Asi kana vanhu venyika vachiuya pamberi paJehovha pamitambo yakatarwa, anopinda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro kuzonamata, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwezasi; anopinda napanzira yesuo rokurutivi rwezasi, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakauya nayo, asi anofanira kufamba akatarira mberi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 “Panouya vanhu venyika iyoyo pana Tenzi, pamazuva makuru akatemwa, anenge apinda nokuSuo Guru rokuchamhembe kuzonamata anosungirwa kubuda neSuo Guru rokumaodzanyemba. Anenge apindawo nokuSuo Guru rokumaodzanyemba ngaandobuda neSuo Guru rokuchamhembe. Hakuna anofanira kudzoka nokuSuo Guru kwaanenge ambopinda nako asi kutoti munhu ose anofanira kuramba achingoenda chete mberi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona9 “Panouya vanhu venyika iyoyo pana Tenzi, pamazuva makuru akatemwa, anenge apinda nokuSuo Guru rokuchamhembe kuzonamata anosungirwa kubuda neSuo Guru rokumaodzanyemba. Anenge apindawo nokuSuo Guru rokumaodzanyemba ngaandobuda neSuo Guru rokuchamhembe. Hakuna anofanira kudzoka nokuSuo Guru kwaanenge ambopinda nako asi kutoti munhu ose anofanira kuramba achingoenda chete mberi. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 “ ‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira. Viz kapitola |