Ezekieri 41:26 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)26 Kwakaŋga kunamawindi akapfigwa nemicindwe kurutiʋi rumŋe nokunorumŋe rutiʋi, kumatiʋi eɓiraʋira; ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita makamuri okumatiʋi eimba neɀikumbaridzo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200226 Kwakanga kuna mahwindo akapfigwa nemichindwe kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, kumativi ebiravira; ndizvo zvakanga zvakaita makamuri okumativi eimba nezvikumbaridzo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika26 Paivawo namahwindo asingazaruki nemifananidzo yemiti yemirara kumativi ese pamadziro ekamba ikako. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona26 Paivawo namahwindo asingazaruki nemifananidzo yemiti yemirara kumativi ese pamadziro ekamba ikako. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi26 Parutivi rwamadziro ebiravira pakanga pane mawindo maduku ane miti yemichindwe yakavezwa pamativi ose. Makamuri okumativi etemberi naiwowo aiva nezvikumbaridzo. Viz kapitola |