Ezekieri 39:23 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)23 Marudzi ose acaziʋa kuti imba yaIsraeri yakatapxa nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋo, nokuti ʋakandiɗarikira, ndikaʋaʋanzira ciso caŋgu; naiɀoɀo ndakaʋaisa mumaʋoko aʋadziʋisi ʋaʋo, ʋakaparadzwa ʋose nomunondo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200223 Marudzi ose achaziva kuti imba yaIsiraeri yakatapwa nokuda kwezvakaipa zvavo, nokuti vakandidarikira, ndikavavanzira chiso changu; naizvozvo ndakavaisa mumaoko avadzivisi vavo, vakaparadzwa vose nomunondo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika23 Marudziwo avanhu achaziva kuti imba yaIsiraeri yakaenda kuutapwa pamusana pouipi hwavo nokuti havana kutendeka kwandiri zvokuti ndakazvivanza uso kwavari ndikavaisa mumaoko avavengi vavo ndokubva vose vaurayiwa nehondo yebakatwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona23 Marudziwo avanhu achaziva kuti imba yaIsiraeri yakaenda kuutapwa pamusana pouipi hwavo nokuti havana kutendeka kwandiri zvokuti ndakazvivanza uso kwavari ndikavaisa mumaoko avavengi vavo ndokubva vose vaurayiwa nehondo yebakatwa. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi23 Uye ndudzi dzichaziva kuti vanhu vaIsraeri vakaenda kuutapwa nokuda kwechivi chavo, nokuti vakanga vasina kutendeka kwandiri. Saka ndakavavanzira chiso changu ndikavaisa mumaoko avavengi vavo, uye vose vakaurayiwa nomunondo. Viz kapitola |